Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 9:9-17

Zekaria 9:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi. “Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.” “Kana zviri zvakowo iwe, ndichiitira hangu ropa rechitenderano changu newe, ndichasunungura nhapwa dzokwako mumugodhi usina mvura vaende zvavo. Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo, imi nhapwa dzechitarisiro! Nhasi uno ndinoti ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.” TENZI ndipo paachaonekwa nechapamusoro pavo, misevewo yake iri mheni zvayo kuenda. TENZI Mwari acharidza hwamanda agoenda achifamba hake nomuchamupupuri chamaodzanyemba. TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari. Nomusi iwoyo TENZI, Mwari wavo achavanunura nokuti ivowo, idanga rehwai dzavanhu vake. Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu vachapenya munyika make. Eeka! Hamungati kunaka ikoko, i–i zvakazonaka. Hakuzi kuyevedza kwakadaro, haiwaiwa zvinoyevedza! Mbesanwa dzichaita kuti zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva ichiitira zvakanaka vasikana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:9-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro. Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika. Kana uri’we ʋo, nokuɗa kweropa resuŋgano yako, ndakasunuŋgura ʋasuŋgwa ʋako mugomba risinemvura. Dzokerai kunhare imi ʋasuŋgwa ʋanetariro; ikonhasi ndinokuʋudzai kuti ndicakupai migoʋe miʋiri. Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare. Jehova ucaʋonekwa pamsoro paʋo, museʋe wake ucaɓuɗa semheni; Ishe Jehova ucaridza hwamanda, ucafamba neɀampupuri ɀinobva zasi. Jehova wehondo ucaʋadzitira; ʋacaparadza, ʋacatsika pasi mabge ecipfuramabge; ʋacanwa, ʋaciita ruzha saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ʋacazadzwa sembiya, samakona eartari. Jehova Mŋari waʋo ucaʋaponesa nezuʋa iro seɓoka raʋanhu ʋake; nokuti ʋacafanana namabge ekorona, anoʋaima kumsoro kwenyika yake. Nokuti kufara kwaʋo kucaʋa kukuru sei, nokunaka kwaʋo kucaʋa kukuru sei! Ɀiyo ɀicakurisa majaya, waini itȿa icakurisa mhandara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)