Zekaria 9:9-17
Zekaria 9:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro. Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhunwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa, uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika. Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura. Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro; kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri. Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, uye ndichaizadza naEfuremu. Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita somunondo wemhare. Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; museve wake uchapenya semheni. Ishe Jehovha acharidza hwamanda; achafamba mudutu rezasi. Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. Vachaparadza uye vachakunda nezvimviriri. Vachanwa vagoomba sevanwa waini; vachazara sembiya dzinoshandiswa pakusasa makona earitari. Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iroro seboka ravanhu vake, Vachavaima munyika yake samabwe anokosha ari mukorona. Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire, uye waini itsva kumhandara.
Zekaria 9:9-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro. “Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.” “Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura. “Dzokerai kunhare imi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri. Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.” Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi. Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari. Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake; nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake. Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
Zekaria 9:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi. “Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.” “Kana zviri zvakowo iwe, ndichiitira hangu ropa rechitenderano changu newe, ndichasunungura nhapwa dzokwako mumugodhi usina mvura vaende zvavo. Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo, imi nhapwa dzechitarisiro! Nhasi uno ndinoti ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.” TENZI ndipo paachaonekwa nechapamusoro pavo, misevewo yake iri mheni zvayo kuenda. TENZI Mwari acharidza hwamanda agoenda achifamba hake nomuchamupupuri chamaodzanyemba. TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari. Nomusi iwoyo TENZI, Mwari wavo achavanunura nokuti ivowo, idanga rehwai dzavanhu vake. Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu vachapenya munyika make. Eeka! Hamungati kunaka ikoko, i–i zvakazonaka. Hakuzi kuyevedza kwakadaro, haiwaiwa zvinoyevedza! Mbesanwa dzichaita kuti zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva ichiitira zvakanaka vasikana.
Zekaria 9:9-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro. Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika. Kana uri’we ʋo, nokuɗa kweropa resuŋgano yako, ndakasunuŋgura ʋasuŋgwa ʋako mugomba risinemvura. Dzokerai kunhare imi ʋasuŋgwa ʋanetariro; ikonhasi ndinokuʋudzai kuti ndicakupai migoʋe miʋiri. Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare. Jehova ucaʋonekwa pamsoro paʋo, museʋe wake ucaɓuɗa semheni; Ishe Jehova ucaridza hwamanda, ucafamba neɀampupuri ɀinobva zasi. Jehova wehondo ucaʋadzitira; ʋacaparadza, ʋacatsika pasi mabge ecipfuramabge; ʋacanwa, ʋaciita ruzha saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ʋacazadzwa sembiya, samakona eartari. Jehova Mŋari waʋo ucaʋaponesa nezuʋa iro seɓoka raʋanhu ʋake; nokuti ʋacafanana namabge ekorona, anoʋaima kumsoro kwenyika yake. Nokuti kufara kwaʋo kucaʋa kukuru sei, nokunaka kwaʋo kucaʋa kukuru sei! Ɀiyo ɀicakurisa majaya, waini itȿa icakurisa mhandara.
Zekaria 9:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)