Zekaria 9:9-13
Zekaria 9:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro. Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhunwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa, uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika. Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura. Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro; kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri. Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, uye ndichaizadza naEfuremu. Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita somunondo wemhare.
Zekaria 9:9-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro. “Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.” “Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura. “Dzokerai kunhare imi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri. Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.”
Zekaria 9:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi. “Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.” “Kana zviri zvakowo iwe, ndichiitira hangu ropa rechitenderano changu newe, ndichasunungura nhapwa dzokwako mumugodhi usina mvura vaende zvavo. Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo, imi nhapwa dzechitarisiro! Nhasi uno ndinoti ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.”
Zekaria 9:9-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro. Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika. Kana uri’we ʋo, nokuɗa kweropa resuŋgano yako, ndakasunuŋgura ʋasuŋgwa ʋako mugomba risinemvura. Dzokerai kunhare imi ʋasuŋgwa ʋanetariro; ikonhasi ndinokuʋudzai kuti ndicakupai migoʋe miʋiri. Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare.
Zekaria 9:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)