Zekaria 9:16-17
Zekaria 9:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iroro seboka ravanhu vake, Vachavaima munyika yake samabwe anokosha ari mukorona. Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire, uye waini itsva kumhandara.
Zekaria 9:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake; nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake. Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
Zekaria 9:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nomusi iwoyo TENZI, Mwari wavo achavanunura nokuti ivowo, idanga rehwai dzavanhu vake. Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu vachapenya munyika make. Eeka! Hamungati kunaka ikoko, i–i zvakazonaka. Hakuzi kuyevedza kwakadaro, haiwaiwa zvinoyevedza! Mbesanwa dzichaita kuti zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva ichiitira zvakanaka vasikana.
Zekaria 9:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari waʋo ucaʋaponesa nezuʋa iro seɓoka raʋanhu ʋake; nokuti ʋacafanana namabge ekorona, anoʋaima kumsoro kwenyika yake. Nokuti kufara kwaʋo kucaʋa kukuru sei, nokunaka kwaʋo kucaʋa kukuru sei! Ɀiyo ɀicakurisa majaya, waini itȿa icakurisa mhandara.
Zekaria 9:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)