Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 9:1-10

Zekaria 9:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki uye richagara pamusoro peDhamasiko, nokuti meso avanhu naamarudzi ose eIsraeri ari pana Jehovha, uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro, uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo. Tire yakazvivakira nhare; yakaunganidza sirivha seguruva uye goridhe samarara omumugwagwa. Asi Ishe achatora upfumi hwayo uye achaparadzira simba rayo pagungwa, uye ichaparadzwa nomoto. Ashikeroni richazviona, rigotya; Gaza richatambura mukurwadziwa, neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. Gaza richarasikirwa namambo waro uye Ashikeroni haringavi navanhu. Vatorwa vachagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia. Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu uye vachava vatungamiri muJudha, uye Ekironi achava savaJebhusi. Asi ndichadzivirira imba yangu pavarwi vanoirwisa. Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu, nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira. Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro. Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhunwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa, uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri; uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo. Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha. Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto. Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu. “Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia. “Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi. Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu.” Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro. “Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hechinoi chirevo. Shoko raTENZI rakanangana nenyika yeHadhiraki uye richasvikawo kuDhamasikusi nokuti maziso avanhu anototarisira kuna TENZI sezvinongoitawo madzinza ose eIsiraeri uyewo Hamati inoganhurana nayo neTire neSidhoni kunyange zvazvo vane ungwaru. Guta reTire rakazvivakira nhare dzaro dzokuzvidzivirira kuhondo rikaunganidzawo sirivha sevhu uye nendarama samatope omumugwagwa. Asi TENZI acharikatanura zvinhu zvaro zvarinazvo agoti kupukupu kukanda upfumi hwaro mugungwa. Tire icharoromeswa nomoto. Ashikeroni ichazviona igodedera kutya, Gazawo ichamonyoroka ichirwadzwa kwazvo nazvo, pamwechetewo neEkironi nokuti zvayaitarisira zvakangaidzika. MuGaza muchasara musisina mambo Ashikeroni richasara risisina vageremo. Rudzi rwavana vomusango ndoruchatozoita musha muAshidhodhi uye ndichapedza kuzvitutumadza kweFirisitia. Ndichaibvisa nyama ine ropa mukanwa mayo nezvakan'ora zvayo mumazino mayo naiyowo ichava chitsama chavanhu vakasara chaMwari wedu. Ichavawo seimwe imba yomudzinza rokwaJudha Ekironi ichaita hwevanhu vokuJebhusi. Ndipo pandichaita musasa pamba pangu somuchengetedzi kuti parege kuwana munhu anodzengererapo. Hakuna mudzvinyiriri achazombovakurira nokuti ndazvionera zvino namaziso angu aya. Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi. “Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Cireʋo ceshoko raJehova pamsoro penyika yeHadraki, ʋuye paDamasko ndi’po paricagara; nokuti ziso raJehova rinotarira ʋanhu nendudzi dzose dzaIsraeri; ʋuye Hamati ʋo, rakaɓatana naʋo; ʋuye Tire neSidoni, nokuti ʋakacenjera kwaɀo. Tire rakaɀiʋakira nhare, rikaɀiʋuŋganidzira sirveri seguruʋa, nendarama yakaiȿo‐naka samatope ari munzira dzomumusha. Tarirai, Jehova ucarikunda, ucawisira simba raro muguŋgwa; ricapedzwa nomŋoto. Ashkeroni ricaɀiʋona, ndokutya; ʋuye Gaza ʋo, rikarwadziwa ɀikuru; ʋuye Ekroni, nokuti ricanyadziswa paneɀarakatarira; mambo ucaparara paEkroni, Ashkeroni hariŋgagarwi naʋanhu. Mŋanakomana woʋupombge ucagara paAshdodi, ʋuye ndicaparadza kuɀikudza kwaʋaFiristia. Ndicabvisa ropa rake mumuromo make, neɀinonyaŋgadza ɀake ɀiri pakati pameno ake; iye ʋo ucasarira Mŋari weɗu; ucaʋa somucinda paJuda, ʋuye Ekroni somuJebusi. Ndicakomberedza imba yaŋgu nemisasa ndidziʋirire hondo, kurege kuʋa nomunhu unopfuʋura napo kana kudzoka napo; hakuŋgazoʋi nomumanikidzi unofamba napo; nokuti ɀino ndaɀiʋona nameso aŋgu. Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro. Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 9

Zekaria 9:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)