Zekaria 7:8-14
Zekaria 7:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’ “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo. Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru. “ ‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’ ”
Zekaria 7:8-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti, “Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, ‘Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi; regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.’ “Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa. Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo. Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo, ini ndichiramba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. Naizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nokuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza.”
Zekaria 7:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya richiti, “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo tongai zviri pachokwadi chaipo muchiitirana mwoyo wakanaka muchinzwirana tsitsi hama nehama. Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo. “Asi ivo vakaramba kunzwa, vakagwikura mapfudzi vachityorera zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa. Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo. Sokudaidza kwandakaita ivo vakaramba kunzwa, ndokudaidzawo kwavakazoita ini ndigokaregawo kuvateerera, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Uye ndakavati mwarara nechamupupuri chaicho mukati memarudzi ose avakanga vasingazivi, nezvo nyika yavakasiya yakava renje zvaro zvokushaya kana nomunhu aifamba–fambamo; saizvozvo, nyika yakanaka yaitwa renje zvino.”
Zekaria 7:8-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria, riciti: Ndiɀo ɀakataura Jehova wehondo, aciti: Ruramisirai kwaɀo pakutoŋga, mumŋe nomumŋe aitire hama yake ʋunyoro netsitsi; regai kumanikidza cirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira hama yake ɀakaipa pamŋoyo pake. Asi ʋakaramba kuterera, ʋakabvisa fudzi raʋo, nokudziʋira nzeʋe dzaʋo kuti ʋarege kunzwa. Ɀirokwaɀo, mŋoyo yaʋo ʋakaiita sedaimani, kuti ʋarege kunzwa murairo namashoko akatumŋa naJehova wehondo noMŋeya wake naʋaprofita ʋakare; saka kutsamŋa kukuru kwakaɓuɗa kunaJehova wehondo. Ɀino seɀaakaɗana, iʋo ʋakaramba kunzwa, saiɀoɀo iʋo ʋacaɗana ʋo, ini ndiciramba kunzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; asi ndicaʋaparadzira necampupuri pakati pendudzi dzose dzaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi. Naiɀoɀo nyika yakaʋa ɗoŋgo shure kwaʋo, kukasaʋa nomunhu wakaenda kana kudzoka noko; nokuti ʋakaparadza nyika yakaŋga icifadza.
Zekaria 7:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)