Zekaria 13:1-2
Zekaria 13:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena. “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika.
Zekaria 13:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nezuva iro imba yaDhavhidhi navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina. Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.”
Zekaria 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo. “Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa.
Zekaria 13:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro imba yaDavidi naʋagere Jerusarema ʋacadziʋurirwa tsime, rokusuka ɀiʋi netȿina. Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika.
Zekaria 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)