Tito 1:1-9
Tito 1:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu. Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira. Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
Tito 1:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari, patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo, asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurayiro waMwari, Muponesi wedu; kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe. Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira; kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri. Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa; asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora; anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
Tito 1:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu. Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu. Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro.
Tito 1:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muranda waMŋari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuɗa kwokutenda kwaʋakasanaŋgurwa ʋaMŋari, nokwokuziʋisa ɀokwaɗi iri pakunamata Mŋari, patariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi, bgaakapikira iye Mŋari, usiŋgatoŋgoreʋi nhema, ŋguʋa dzisiŋgaperi dzisati dzaʋa’po, asi paŋguʋa dzaɀo wakaziʋisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMŋari, Muponesi weɗu; kunaTito, mŋana waŋgu caiye pakutenda kweɗu tose: Nyasha norugare, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, naKristu Jesu, Muponesi weɗu, ŋgaɀiʋe newe. Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira iɀo ɀakaŋga ɀasara, nokugadza ʋakuru mumaguta ose, seɀandakakuraira; kana kunomunhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, unaʋana ʋanotenda, ʋasiŋgapiwi mhoȿa yokuti haʋaɀidzori, kana kuti haʋatereri. Nokuti mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, somuceŋgeti weimba yaMŋari; asiŋgaiti kuɗa kwake, asiŋgakurumidzi kutsamŋa, asiŋgaɗi waini, asiŋgarwi, asiŋgakariri fuma yakaipa; asi unoitira ʋaeni ruɗo, unoɗa ɀakanaka, wakacenjera, wakarurama, mutsene, unoɀidzora; unoɓatisisa shoko raɀokwaɗi, seɀarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda ʋanokakaʋara.
Tito 1:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)