Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari, patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo, asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurayiro waMwari, Muponesi wedu; kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe.
Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira;
kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.
Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa; asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora; anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.