Tito 1:1-16
Tito 1:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu. Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira. Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa. Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi. Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora. Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.
Tito 1:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari, patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo, asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurayiro waMwari, Muponesi wedu; kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe. Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira; kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri. Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa; asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora; anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara. Nokuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa, vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwepfuma yakaipa. Mumwe wavo, muporofita wokwavo, akati, “VaKiriti vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanousimbe.” Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda, varege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirayiro yavanhu vanofuratira chokwadi. Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakuna chinhu chakachena asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa. Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.
Tito 1:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu. Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu. Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro. Nokuti kune tsvuuramuromo dzakawanda dzisingamharwi muromo nenhunzi, vanyengedzi zvikuru vebato rokudzingiswa. Vanofanira kunyararidzwa nokuti vanonyonganisa mhuri nemhuri vachidzidzisa kuti vangozvipfumisa nezvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa. Mumwe wavo, muporofita wavo pachavo akati vaKiriti vatauri venhema nguva dzose, zvikara zvakaipa, nyope dzavanhu dzina makaro. Uchapupu uhu ndewechokwadi; naizvozvo vatsiure zvakasimba kuti vave nechitendero chezvirokwazvo, panze pokuteerera ngano dzechiJudha kana mitemo inoiswa navanhu vanoramba chokwadi. Kuna vakachena, zvose zvakachena asi kuno munhu ane tsika dzakaora asingatendi hapana chakachena. Pfungwa dzavo chaidzo nehana dzavo dzakaodzwa. Vanoti vanoziva Mwari asi vanomuramba nezviito zvavo. Vanosemesa, havateereri, havakodzeri basa ripi neripi zvaro rakanaka.
Tito 1:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muranda waMŋari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuɗa kwokutenda kwaʋakasanaŋgurwa ʋaMŋari, nokwokuziʋisa ɀokwaɗi iri pakunamata Mŋari, patariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi, bgaakapikira iye Mŋari, usiŋgatoŋgoreʋi nhema, ŋguʋa dzisiŋgaperi dzisati dzaʋa’po, asi paŋguʋa dzaɀo wakaziʋisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMŋari, Muponesi weɗu; kunaTito, mŋana waŋgu caiye pakutenda kweɗu tose: Nyasha norugare, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, naKristu Jesu, Muponesi weɗu, ŋgaɀiʋe newe. Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira iɀo ɀakaŋga ɀasara, nokugadza ʋakuru mumaguta ose, seɀandakakuraira; kana kunomunhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, unaʋana ʋanotenda, ʋasiŋgapiwi mhoȿa yokuti haʋaɀidzori, kana kuti haʋatereri. Nokuti mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, somuceŋgeti weimba yaMŋari; asiŋgaiti kuɗa kwake, asiŋgakurumidzi kutsamŋa, asiŋgaɗi waini, asiŋgarwi, asiŋgakariri fuma yakaipa; asi unoitira ʋaeni ruɗo, unoɗa ɀakanaka, wakacenjera, wakarurama, mutsene, unoɀidzora; unoɓatisisa shoko raɀokwaɗi, seɀarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda ʋanokakaʋara. Nokuti ʋazhinji ʋari’po ʋasiŋgatereri, ʋanotaura ɀisinamaturo, ʋanonyeŋgera, ɀikuru aʋo ʋokudziŋgiswa, ʋanofanira kudziʋirirwa miromo yaʋo; ʋanoparadza mhuri kwaɀo, ɀaʋanodzidzisa ɀisakafanira nokuɗa kwefuma yakaipa. Mumŋe waʋo, muprofita wokwaʋo, wakati: ƲaKrete ʋanogara ʋacireʋa nhema, ɀikara ɀakaipa, naʋanokara ʋanoʋusimbe. Kupupura uku ndokwaɀokwaɗi. Nemhaka iyi uʋaraŋge ɀikuru, kuti ʋarurame pakutenda, ʋarege kuterera ŋgano dzaʋaJuda, nemirairo yaʋanhu ʋanofuratira ɀokwaɗi. Kunaʋakacena ɀose ɀakacena; asi kunaʋakaȿiɓiswa, ʋasiŋgatendi, hakunecinhu cakacena, asi kufuŋga kwaʋo nehana yaʋo ɀakaȿiɓiswa. Ʋanoti, tinoziʋa Mŋari, asi ʋanomuramba namaɓasa aʋo, ɀaʋari ʋanhu ʋanonyaŋgadza, ʋasiŋgatereri, ʋasakafanira pamaɓasa ose akanaka.
Tito 1:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)