Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Titosi 1:1-16

Titosi 1:1-16 SCLBD

Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu. Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu. Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro. Nokuti kune tsvuuramuromo dzakawanda dzisingamharwi muromo nenhunzi, vanyengedzi zvikuru vebato rokudzingiswa. Vanofanira kunyararidzwa nokuti vanonyonganisa mhuri nemhuri vachidzidzisa kuti vangozvipfumisa nezvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa. Mumwe wavo, muporofita wavo pachavo akati vaKiriti vatauri venhema nguva dzose, zvikara zvakaipa, nyope dzavanhu dzina makaro. Uchapupu uhu ndewechokwadi; naizvozvo vatsiure zvakasimba kuti vave nechitendero chezvirokwazvo, panze pokuteerera ngano dzechiJudha kana mitemo inoiswa navanhu vanoramba chokwadi. Kuna vakachena, zvose zvakachena asi kuno munhu ane tsika dzakaora asingatendi hapana chakachena. Pfungwa dzavo chaidzo nehana dzavo dzakaodzwa. Vanoti vanoziva Mwari asi vanomuramba nezviito zvavo. Vanosemesa, havateereri, havakodzeri basa ripi neripi zvaro rakanaka.

Verenga chikamu Titosi 1