Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto, Murazvo chaiwo waJehovha. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose. Tine chinun'una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun'una chedu Nezuva raachakumbirwa?
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose. Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto, Murazvo chaiwo waJehovha. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose. Tine chinun'una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun'una chedu Nezuva raachakumbirwa?
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiite sechidhindo pamwoyo wako sechidhindo paruoko rwako nokuti rudo rwakasimba sorufu, shanje ino utsiye seguva kuvaima kwayo kuvaima kwemoto, moto chaiwo unoririma. Mvura zhinji zvayo haikwanisi kudzimura rudo. Kunyange mapopopo emvura haagoni kunyudza rudo. Kunyange munhu akati regai nditsinhanise rudo nokupa upfumi hwose hwomusha wake zvinonyatsoshorwa. Tine kahanzvadzi kedu kaduku asi hakana mazamu. Tichaitei nehanzvadzi yakadai pazuva raanopfimbwa.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndishoŋge secisimbiso pamŋoyo pako, Secisimbiso paruʋoko rwako; Nokuti ruɗo runesimba sorufu; Goɗo rinokuʋadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomŋoto, Muraɀo caiwo waJehova. Mvura zhinji haigoni kudzima ruɗo; Nzizi hadziŋgaruɓitirisi; Kunyaŋge munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane ruɗo, Uŋgaɀidzwa cose. Tinecinuŋuna, Cigere kuʋa namazamu; Ticaɗiniko necinuŋuna ceɗu Nezuʋa raacakumbirwa?
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)