Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva. Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana mudzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva. Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndaenda kumunda wenzungu kundoona maruva omubani, kundoona kuti migirepisi yatunga here uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Handina kutomboziva kuti musikana wangu akanga atondiita jinda pakati pavanhu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaɓurukira kumunda wenzuŋgu, Kuti ndiʋone miti mitema mumupata, Kuti ndiʋone kana muzambiriŋga wotuŋga, Kana matamba otuŋga maruʋa. Ndisati ndaɀiziʋa, mŋeya waŋgu wakandiisa Pakati peŋgoro dzaʋanhu ʋaŋgu ʋakarurama.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndaenda kumunda wenzungu kundoona maruva omubani, kundoona kuti migirepisi yatunga here uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Handina kutomboziva kuti musikana wangu akanga atondiita jinda pakati pavanhu.