Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.” Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye midzambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya! Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe izwi rako; Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu. Iwe njiva yangu iri mumikaha yamabwe nemakavandika muzvikomo. Rega ndione zvangu uso hwako, ndinzwe hangu izwi rako nokuti izwi rako rakanakisa uye uso hwako hunoyevedza.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi, Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa; Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya! Iwe njiʋa yaŋgu, uri mumikaha yeɗombo, Pakadzitika pamawere; Ndiʋone ciso cako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, ciso cako cakanaka.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)