Rute 4:16-22
Rute 4:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi. Iyi ndiyo imba yaPerezi: Perezi akabereka Hezironi, Hezironi akabereka Ramu, Ramu akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni, Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese, uye Jese akabereka Dhavhidhi.
Rute 4:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake. Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, “Naomi wakaponerwa mwanakomana;” vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi. Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi; Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni; Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi; Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.
Rute 4:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaPerezi; Perezi akabereka Hezironi, Hezironi akabereka Ramu. Ramu akabereka Aminadhabhu, Aminadhabhu akabereka Nahishoni. Nahishoni akabereka Sarimoni, Sarimoni akabereka Bhoazi. Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.
Rute 4:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Naome akatora mŋana, akamufuŋgatira pacifuʋa cake, akaʋa mureri wake. Ʋakadzi ʋakaŋga ʋagere naye ʋakamutumidza zita, ʋaciti: Naome wakaponerwa mŋanakomana; ʋakamutumidza zita rinonzi Obedi; ndiye wakazoʋa ɓaɓa ʋaJese, ɓaɓa ʋaDavidi. Ɀino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakaɓereka Hezroni; Hezroni akaɓereka Rami, Rami akaɓereka Aminadabi; Aminadabi akaɓereka Nashoni, Nashoni akaɓereka Sarmoni; Sarmoni akaɓereka Boazi, Boazi akaɓereka Obedi; Obedi akaɓereka Jese, Jese akaɓereka Davidi.
Rute 4:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)