Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 4:1-17

Rute 4:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi. Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo. Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu. Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.” Iye akati, “Ndichautenga.” Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.” Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.” (Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.) Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake. Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!” Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema. Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.” Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.” Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Bhoazi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhoazi, ndokupfuura napo; akati kwaari, “Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi.” Iye akatsauka, akagara pasi. Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, “Garai pasi pano.” Ivo vakagara pasi. Zvino akati kuhama yomumba, “Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunun'una wedu Erimereki; ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, ‘Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, undiudze, chiudzikinura hako, asi kana usingadi kuudzikinura, ndiudze, ndizive, nokuti hakuna ungaudzikinura asi iwe; unokutevera ndini.’ ” Akati, “Ndichaudzikinura ini.” Zvino Bhoazi akati, “Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.” Hama iyo yomumba ikati, “Handigoni kuzvidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.” Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavaIsiraeri kana vachidzikinura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavaIsiraeri. Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhoazi, “Chizvitengera hako uyo.” Akabvisa shangu yake. Zvino Bhoazi akati kuvakuru nokuvanhu vose, “Imi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuo renzvimbo yake; imi muri zvapupu nhasi.” Zvino vanhu vose vakanga vari pasuo navakuru vakati, “Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu; imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.” Ipapo Bhoazi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana. Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri. Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.” Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake. Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, “Naomi wakaponerwa mwanakomana;” vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Bhoazi akaenda kusuo guru reguta akasvikogara zvake pasi. Sezvineiwo hama yepedyo muridzi wenhaka uya akambotaurwa naBhoazi ndiye vhu achipfuura zvake nepo. Bhoazi akamuti, “Chimbotsaukira nepano apa, umbogara apa.” Murume uyu akatsaukirapo ndokugara pasi. Bhoazi akatora vakuru vakuru gumi vomuguta iri akavati, “Ngatimbogarai dare pano apa.” Vakagara pasi zvavo. Bhoazi akasuma nyaya kune hama yake iya, muridzi wenhaka achiti, “Naomi uya akadzoka achibva kuMoabhu ari kutengesa munda waiva waErimereki. Zvino ndati ndikurume nzeve nezvawo, saka ndinoti dai wautenga dare richizviona, vakuru vakuru vedu varipo. Kana uchida kuununura, ununure zvako, asi kana usingadi nditaurirewo ndizive nokuti hakuna mumwe ane mvumo yokuununura kusiya iwe neni. Iwe ndiwe wokutanga, ini ndiri wechipiri.” Iye uya ndokuti, “Ndinoda kuununura.” Bhoazi ndokuti, “Musi waunotenga munda iwoyo kuna Naomi ndiwe unenge wotogara nhaka Rute muMoabhu chirikadzi yomufi kuti umutsiridze zita romufi panhaka yake.” Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.” Zvino kareko muIsiraeri maiva netsika yaiitwa pakununura zvinhu napakutengeserana. Chiratidzo chavaiita chokusimbisa kuti paitwa chibvumirano ndechichi chokuti nyakutengesa aibvisa shangu yake oipa kuna nyakutenga. Ndiko kusimbisa kwaiitwa chibvumirano muIsiraeri. Saka hama iya muridzi wenhaka paakati kuna Bhoazi, “Utenge zvako iwe.” Akabva abvisa shangu yake. Bhoazi ndokuti kuna vakuru vakuru vaya navanhu vose, “Nhasi uno ndimi mava zvapupu zvangu zvokutenga kwandaita munda kuna Naomi nezvose zvaiva zvaErimereki pamwechete nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMahironi. Kunyangewo chirikadzi iya yakasiyiwa naMahironi, Rute muMoabhu, ndini ndatovawo wokugara nhaka nokudaro zita romufi richaramba richidaidzwa panhaka yaakasiya kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana muguta rake. Ndimi zvapupu zvacho iye nhasi uno.” Vanhu vose navakuru vakuru vaiva padare kusuo reguta vakati, “Hongu, tiri zvapupu zvacho. Dai Tenzi akaita kuti mukadzi iyeyu ari kuuya mumba mako, aite saRakeri naRea, vose vari vaviri vakabereka mhuri yaIsiraeri. Dai ukava zvako mupfumi akabudirira muEfurati, zita rako rive nomukurumbira muBheterehemu. Dai vana vomukadzi uyu achiri muduku kudai vamuchapiwa naTenzi vangoita waro sezvakangoita mhuri yaPerezi akaberekwa naTamari mumba maJudha.” Bhoazi akatora Rute akagara nhaka yacho. Akapinda mumba naye, Tenzi akamubatsira akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Tenzi ngaarumbidzwe, iye asina nhasi uno kukunyima hama chaiyo, mugari wenhaka. Zita rake ngarive nomukurumbira muIsiraeri! Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.” Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Boazi wakakwira kusuʋo, akagara pasi’po; hama yomumba yakaŋga yarebga naBoazi, ndokupfuʋura napo; akati kwaari: Nhai’we, tsaukira ʋuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi. Akatora ʋarume ʋanegumi kuʋakuru ʋeguta, akati: Garai pasi pano. Iʋo ʋakagara pasi. Ɀino akati kuhama yomumba: Naome, uya wakadzoka acibva kunyika yaMoabi, unoɗa kuteŋgesa mugoʋe wenyika waiʋa womunuŋuna weɗu Erimereki; ndakati ndicakuʋudza iɀoɀo, ndiciti: Ciuteŋga pamberi paʋanhu ʋagere pano, napamberi paʋakuru ʋaʋanhu ʋaŋgu. Kana uciɗa kuudzikinura, ndiʋudze, ciudzikinura hako, asi kana usiŋgaɗi kuudzikinura, ndiʋudze, ndiziʋe, nokuti hakuna‐uŋgaudzikinura asi iwe; unokuteʋera ndini. Akati: Ndicaudzikinura ini. Ɀino Boazi akati: Zuʋa iro raunoteŋga munda uyo kunaNaome, unofanira kuuteŋga ʋo kunaRute muMoabi, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake. Hama iyo yomumba ikati: Handigoni kuɀidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yaŋgu; citora hako iwe simba raŋgu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura. Ɀino iyi ndiyo tsika yakaŋga iri’po kare pakati paʋaIsraeri kana ʋacidzikinura nokutsinhanha, kuti ɀose ɀisimbiswe: Munhu waibvisa shaŋgu yake, ndokuipa hama yake; ndiwo waiʋa mutoʋo wokupupura nawo paʋaIsraeri. Ɀino hama iyo yomumba ikati kunaBoazi: Ciɀiteŋgera hako uyo. Akabvisa shaŋgu yake. Ɀino Boazi akati kuʋakuru nokuʋanhu ʋose: Imi muri ɀapupu nhasi, kuti ndateŋga kunaNaome ɀose ɀaiʋa ɀaErimereki, neɀose ɀaiʋa ɀaKirioni neɀaMaroni. Ndateŋga ʋo Rute muMoabi, mukadzi waMaroni, kuti aʋe mukadzi waŋgu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kuroʋa pakati pehama dzake napasuʋo renɀimbo yake; imi muri ɀapupu nhasi. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pasuʋo naʋakuru ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu. Jehova ŋgaaite mukadzi uyu waʋuya kumba kwako saRakeri ʋuye saRea, iʋo ʋaʋiri ʋakaʋaka imba yaIsraeri; newe ʋo uʋe nesimba paEfrata, ukurumbire paBeti‐rehemi; imba yako iʋe seimba yaPerezi, wakaɓerekerwa Juda naTamari, naʋana ʋaucapiwa naJehova kumukadzi uyu uciri muɗuku. Ipapo Boazi akawana Rute, akaʋa mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehova akamutoresa mimba, akapona mŋanakomana. Ɀino ʋakadzi ʋakati kunaNaome: Jehova ŋgaakudzwe, usina‐kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsraeri. Ucaʋa kwauri muraramisi woʋupenyu, nomuriritiri woʋucembere bgako; nokuti mukadzi womŋana wako uyu, unokuɗa, unopfuʋura ʋanakomana ʋanomŋe kwauri, ndiye wakamuɓereka. Ɀino Naome akatora mŋana, akamufuŋgatira pacifuʋa cake, akaʋa mureri wake. Ʋakadzi ʋakaŋga ʋagere naye ʋakamutumidza zita, ʋaciti: Naome wakaponerwa mŋanakomana; ʋakamutumidza zita rinonzi Obedi; ndiye wakazoʋa ɓaɓa ʋaJese, ɓaɓa ʋaDavidi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)