VaRoma 7:18-25
VaRoma 7:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu? Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.
VaRoma 7:18-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. Naizvozvo ndinowana murayiro uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu? Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murayiro wezvivi.
VaRoma 7:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya. Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu. Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu. Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
VaRoma 7:18-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinoziʋa kuti mukati maŋgu, imo munyama yaŋgu, hamugari cinhu cakanaka; nokuti kuɗa kuri’po kwandiri, asi kuita ɀakanaka haku’po. Nokuti ɀakanaka, ɀandinoɗa, handiɀiiti; asi ɀakaipa, ɀandisiŋgaɗi, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgaɗi, handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri. Naiɀoɀo ndinowana murairo uyu kuti kana ndiciɗa kuita ɀakanaka, ɀakaipa ɀiri’po kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati; asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko ucandisunuŋgura pamuʋiri worufu urwu? Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, naJesu Kristu, Ishe weɗu. Naiɀoɀo nomuraŋgariro ndinoɓatira Mŋari, asi nenyama murairo weɀiʋi.
VaRoma 7:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)