Nokuti ndinoziʋa kuti mukati maŋgu, imo munyama yaŋgu, hamugari cinhu cakanaka; nokuti kuɗa kuri’po kwandiri, asi kuita ɀakanaka haku’po. Nokuti ɀakanaka, ɀandinoɗa, handiɀiiti; asi ɀakaipa, ɀandisiŋgaɗi, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgaɗi, handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri. Naiɀoɀo ndinowana murairo uyu kuti kana ndiciɗa kuita ɀakanaka, ɀakaipa ɀiri’po kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati; asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko ucandisunuŋgura pamuʋiri worufu urwu? Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, naJesu Kristu, Ishe weɗu. Naiɀoɀo nomuraŋgariro ndinoɓatira Mŋari, asi nenyama murairo weɀiʋi.
Verenga chikamu ƲaRoma 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaRoma 7:18-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo