VaRoma 6:19-23
VaRoma 6:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 6:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene. Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama. Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu! Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 6:19-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama. Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi. Nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
VaRoma 6:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 6:19-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene. Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama. Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu. Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.