Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene. Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama. Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu. Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.
Verenga chikamu ƲaRoma 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaRoma 6:19-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo