VaRoma 4:20-24
VaRoma 4:20-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.” Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;” asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa
VaRoma 4:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa. Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.” Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga, asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.
VaRoma 4:20-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.” Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;” asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa
VaRoma 4:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza. Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama. Asi mazwi aya anoti, “Chakaita kuti vanzi” haana kunyorerwa kuti areve ivo voga asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa
VaRoma 4:20-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo. Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama. Ɀino haɀina‐kunyorwa nokuɗa kwake ɓedzi, kuti ɀakanzarwo kwaari; asi nokuɗa kweɗu ʋo; nesu ticanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu, Ishe weɗu, kuʋakafa
VaRoma 4:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)