VaRoma 4:20-22
VaRoma 4:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa. Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.”
VaRoma 4:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.”
VaRoma 4:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza. Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama.
VaRoma 4:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo. Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama.
VaRoma 4:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)