VaRoma 4:19-21
VaRoma 4:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo. Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
VaRoma 4:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara; akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo.
VaRoma 4:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara. Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza.
VaRoma 4:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haana‐kushaiwa simba pakutenda, acifuŋga muʋiri wake wakaŋga watofa hawo (ɀaaiʋa namakore aneŋge zana), nokufa kweciɀaro caSara; akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo.
VaRoma 4:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)