VaRoma 4:18-20
VaRoma 4:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.” Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo. Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari
VaRoma 4:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.” Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara; akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari
VaRoma 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.” Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara. Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari.
VaRoma 4:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro. Haana‐kushaiwa simba pakutenda, acifuŋga muʋiri wake wakaŋga watofa hawo (ɀaaiʋa namakore aneŋge zana), nokufa kweciɀaro caSara; akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari
VaRoma 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)