VaRoma 4:16-18
VaRoma 4:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo. Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”

VaRoma 4:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose, (sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo. Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.”
VaRoma 4:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo chitsidzo ichocho chakaitwa pamusana pechitendero kuitira kuti chive chenyasha uye kuti zvibva zvanyatsosimbisiswa kuti zvizvarwa zvavo zvose zvichachiwana kwete kuna vanochengeta mutemo voga asi kuti kuna avowo vane chitendero chimwechetecho naAbhurahamu, nokuti iye ndibaba vedu tose sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo. Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.”
VaRoma 4:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ndeɀokutenda, kuti, ɀiʋe ɀenyasha; kuti cipikirwa ciʋe nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo ɓedzi, asi norwokutenda kwaAbrahama ʋo, iye ɓaɓa ʋeɗu tose, (seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakakuita ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mŋari unopa ʋakafa ʋupenyu, nokuɗana ɀisi’po seɀineŋge ɀiri’po. Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro.
VaRoma 4:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)