VaRoma 4:1-8
VaRoma 4:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri? Nokuti dai Abhurahama akaruramisirwa namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.” Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira. Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama. Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti: “Vakaropafadzwa avo vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo. Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”
VaRoma 4:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tichati Abhurahamu, tateguru vedu panyama, akawaneiko? Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, angadai ane chinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.” Zvino kuno anobata basa, mubayiro haunzi ndowenyasha, asi ndowengava. Kunoasingabati, asi anotenda kuna iye anoruramisa munhu asingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama. Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa, achiti, “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo; Wakaropafadzwa munhu asinganzi naIshe ane zvivi.”
VaRoma 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino tichati kudiiko nezvaAbhurahamu tateguru vedu paukama hweropa. Dai kuri kuti Abhurahamu akaruramiswa namabasa, angadai aine chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko Magwaro Matsvene anotii, “Anoti: Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama.” Zvino kumunhu anoshanda mubayiro wake haunganzi chipo asi chinhu chaanofanira kupihwa. Asi kumunhu asina mabasa asi achivimba nouyo anoruramisa vasiri vanamati vaMwari, chitendero chake chinoita kuti anzi akarurama. Saizvozvo Dhavhidhi anoti akakomborerwa zvake munhu anonzi naMwari akarurama iye asina mabasa aakaita achiti, “Vakakomborerwa zvavo vakaregererwa kukanganisa kwavo, vane zvitadzo zvavo zvakafushirwa. Akakomborerwa munhu asinganzi naTenzi ane chitadzo.”
VaRoma 4:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ticati Abrahama, teteguru ʋeɗu panyama, wakawaneiko? Nokuti ɗai Abrahama akaruramiswa namaɓasa ake, uŋgaɗai anecinhu caaŋgaɀirumbidza naco; asi haana pamberi paMŋari. Nokuti Rugwaro runoti kuɗiniko? Runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Ɀino kunounoɓate‐ɓasa, muɓairo haunzi ndowenyasha, asi ndoweŋgaʋa. Kunousiŋgaɓati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usiŋgaɗi Mŋari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama. Seɀinoreʋa ʋo Davidi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMŋari wakarurama, kunze kwamaɓasa, aciti: Ʋakaropafadzwa ʋakakaŋganwirwa ɀisakarurama ɀaʋo, Naʋakafukidzirwa ɀiʋi ɀaʋo; Wakaropafadzwa munhu usiŋganzi naShe uneɀiʋi.
VaRoma 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)