VaRoma 3:24-26
VaRoma 3:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
VaRoma 3:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu; iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
VaRoma 3:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu. Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
VaRoma 3:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu; iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
VaRoma 3:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)