VaRoma 2:5-6
VaRoma 2:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 2VaRoma 2:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 2VaRoma 2:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 2