VaRoma 15:30-31
VaRoma 15:30-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari. Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko
VaRoma 15:30-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu; kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhea, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene
VaRoma 15:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo.
VaRoma 15:30-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinokumbira ɀikuru, hama dzaŋgu, naShe weɗu, Jesu Kristu, ʋuye noruɗo rwoMŋeya, kuti murwe pamŋe cete neni pakunyeŋgetera kwenyu kunaMŋari pamsoro paŋgu; kuti ndisunuŋgurwe kunaʋasiŋgatereri muJudea, ʋuye kuti kushumira kwaŋgu kunaʋeJerusarema kufadze ʋatȿene
VaRoma 15:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)