VaRoma 15:16
VaRoma 15:16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.
VaRoma 15:16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa roupristi muVhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.
VaRoma 15:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
chokuti ndiri mushandiri waKristu Jesu ndichishanda mukati mevechirudzi uye kuti ndiri mushandiri weShoko Rakanaka raMwari. Ibasa rangu somupristi kupira vechirudzi kwaari sechibayiro chinofadza chakaereswa naMweya Mutsvene.
VaRoma 15:16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti ndiʋe muranda waKristu Jesu kuʋahedeni, ndiciita ɓasa roʋuprista paEvaŋgeri yaMŋari, kuti ciɓayiro caʋahedeni cifadze Mŋari, cakaitwa citȿene noMŋeya Mutȿene.
VaRoma 15:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)