VaRoma 13:1-3
VaRoma 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa. Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.
VaRoma 13:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro
VaRoma 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka
VaRoma 13:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari. Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa. Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro
VaRoma 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)