VaRoma 12:9-12
VaRoma 12:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

VaRoma 12:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka. Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera
VaRoma 12:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka. Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana. Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi. Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata.
VaRoma 12:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka. Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai. Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe; farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera
VaRoma 12:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)