VaRoma 12:5-8
VaRoma 12:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise; kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.
VaRoma 12:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; kana kuri kurayira, pakurayira kwedu; anopa, ngaape nomwoyo wose; ari mukuru, ngaabate nokushingaira; anoitira ngoni, ngaaite nomufaro.
VaRoma 12:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose. Tine zvipo zvakasiyana–siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa. Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara.
VaRoma 12:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe. Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu; kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu; kana kuri kuraira, pakuraira kweɗu; unopa, ŋgaape nomŋoyo wose; uri mukuru, ŋgaaɓate nokushiŋgaira; unoitira ŋgoni, ŋgaaite nomufaro.
VaRoma 12:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)