VaRoma 12:17-19
VaRoma 12:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi.
VaRoma 12:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
VaRoma 12:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.”
VaRoma 12:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi.
VaRoma 12:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose. Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe.