VaRoma 12:13-18
VaRoma 12:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.
VaRoma 12:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
VaRoma 12:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
VaRoma 12:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
VaRoma 12:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.
VaRoma 12:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo. Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai naʋanofara; cemai naʋanocema. Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera. Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose.