VaRoma 12:10-14
VaRoma 12:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.
VaRoma 12:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera; govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.
VaRoma 12:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana. Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi. Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata. Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa.
VaRoma 12:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai. Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe; farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera; goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo. Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.
VaRoma 12:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)