VaRoma 12:1-3
VaRoma 12:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.
VaRoma 12:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo. Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.
VaRoma 12:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama dzangu, pamusana petsitsi dzakaitwa naMwari, kuti mupire miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene chinofadza Mwari; ndiko kunamata kwezvomweya ikoko. Musatevedzere zvenyika asi vandudzwai muve vatsva mupfungwa dzenyu kuti munyatsoziva kuti zvinoda Mwari ndezvipi uye kuti zvakanaka ndezvipi zvinofadza Mwari uye zvakaruramisisa. Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari.
VaRoma 12:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, netsitsi dzaMŋari, kuti muise miʋiri yenyu, ciʋe ciɓayiro cipenyu, citȿene, cinofadza Mŋari, ndiko kunamata kwenyu kwomŋoyo. Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari.
VaRoma 12:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)