Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 10:1-17

VaRoma 10:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe. Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.” Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu) kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza: Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.” Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!” Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 10

VaRoma 10:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe. Nokuti Mosesi anonyora achiti, “Munhu, anoita kururama, kunorehwa nomurayiro, achararama nazvo.” Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ndianiko achakwira kudenga?” (Ndiko kuburusa Kristu;) kana, “Ndianiko achaburukira kwakadzika-dzika?” (Ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.) Asi kunoreveiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;” kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.” Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari; nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 10

VaRoma 10:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe. Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe. Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa. Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 10

VaRoma 10:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Hama dzaŋgu, kuɗa kwomŋoyo waŋgu nokukumbira kwaŋgu kunaMŋari pamsoro paʋo ndiko, kuti ʋaponeswe. Nokuti ndinoʋapupurira kuti ʋanoshiŋgairira Mŋari, asi haʋaiti nokuziʋa. Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari. Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe. Nokuti Mosesi unonyora, aciti, munhu, unoita kururama, kunorebga nomurairo, ucararama naɀo. Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreʋa kuɗai: Usati mumŋoyo mako: Ndianiko ucakwira kuɗeŋga? (ndiko kuɓurusa Kristu;) kana, ndianiko ucaɓurukira kwakadzika‐dzika? (ndiko kuɓuɗisa Kristu kuʋakafa.) Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa; nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari; nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa. Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi? Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka? Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 10

VaRoma 10:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)