VaRoma 1:20-25
VaRoma 1:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa. Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira. Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo. Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
VaRoma 1:20-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo; nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu anofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira. Saka Mwari, mukuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo. Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira zvisikwa kupfura Musiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
VaRoma 1:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa. Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi. Mbiri yaMwari asingafi vakaitsinhanisa nezvifananidzo zvakaita savanhu zvavo vanofa kana seshiri kana somhuka kana sezvinozvova napasi. Naizvozvo Mwari akavarega kuti vaite madiro avo nehavi dzavo dzounzenza zvichivasvitsa mukuitirana zvinonyadzisa nemiviri yavo. Nokuti vakatsinhanisa chokwadi chaMwari nenhema. Vakanamata vakashandira chisikwa panokunamata nokushandira musiki anofanira kurumbidzwa nokusingaperi Ameni.
VaRoma 1:20-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, iɀo ɀake ɀisiŋgaʋonekwi, iro simba rake risiŋgaperi noʋuMŋari bgake, ɀinoʋonekwa kwaɀo, ɀicizikanwa paɀinhu ɀakaitwa; kuti ʋarege kuʋa nepembedzo; nokuti ʋaiziʋa Mŋari, asi haʋana‐kumukudza saMŋari, kana kumuʋoŋga; asi ʋakafuŋga ɀisinamaturo, nemŋoyo yaʋo isineziʋo, ikaȿiɓiswa. Ʋaciti, takacenjera, ʋakaʋa mapenzi; ʋakashandura kubginya kwaMŋari usiŋgafi, ʋakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo manna, neɀinokambaira. Saka Mŋari, mukuciʋa kwemŋoyo yaʋo, akaʋaisa kutȿina, kuti ʋanyadzise miʋiri yaʋo pakati paʋo. Aʋo ʋakatsinhanha ɀokwaɗi yaMŋari nenhema, ʋakanamata nokushumira cisikwa kupfura Musiki, iye unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni.
VaRoma 1:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)