VaRoma 1:20-21
VaRoma 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa.
VaRoma 1:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.
VaRoma 1:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo; nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa.
VaRoma 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa.
VaRoma 1:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, iɀo ɀake ɀisiŋgaʋonekwi, iro simba rake risiŋgaperi noʋuMŋari bgake, ɀinoʋonekwa kwaɀo, ɀicizikanwa paɀinhu ɀakaitwa; kuti ʋarege kuʋa nepembedzo; nokuti ʋaiziʋa Mŋari, asi haʋana‐kumukudza saMŋari, kana kumuʋoŋga; asi ʋakafuŋga ɀisinamaturo, nemŋoyo yaʋo isineziʋo, ikaȿiɓiswa.