Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 9:13-21

Zvakazarurwa 9:13-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mutumŋa wecitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi ricibva panyaŋga inna dzeartari yendarama yakaŋga iri pamberi paMŋari, riciti kumutumŋa wecitanhatu wakaŋga anehwamanda: Sunuŋgura ʋatumŋa ʋanna ʋakasuŋgwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi. Ipapo ʋatumŋa ʋanna ʋakasunuŋgurwa, ʋakaŋga ʋakagadzirirwa ŋguʋa, nezuʋa, nomŋedzi, negore, kuti ʋaʋuraye cetatu caʋanhu. Kuwanda kwehondo dzaʋataȿi ʋamabiza kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru ɀamazana maʋiri; ndikanzwa kuʋereŋgwa kwaʋo. Saiɀoɀo ʋo ndakaʋona mabiza pakuratidzwa kwaŋgu, naʋakaŋga ʋakaataȿa, ʋaneɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀomŋoto, neɀehiasinto, neɀesurferi; nemisoro yamabiza yakaŋga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makaɓuɗa mŋoto, noʋutsi nesurferi. Cetatu caʋanhu cakaʋurawa namaɗambudziko awa matatu, anoti, mŋoto noʋutsi nesurferi, ɀakaɓuɗa mumiromo yawo. Nokuti simba ramabiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuʋadza nayo. Ʋamŋe ʋanhu ʋasina‐kuʋurawa namaɗambudziko awa, haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa amaʋoko aʋo, kuti ʋarege kunamata mŋeya yakaipa, neɀifananidzo ɀendarama, neɀesirveri, neɀendarira, neɀamabge, neɀemiti, ɀisiŋgagoni kuʋona, kana kunzwa, kana kufamba; haʋana‐kutendeʋuka ʋo pakuʋuraya kwaʋo, kana pakurowa kwaʋo, kana paʋupombge bgaʋo, kana pakuɓa kwaʋo.