Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 9:13-21

Zvakazarurwa 9:13-21 SNA2002

Zvino mutumwa wechitanhatu akaridza, ndikanzwa izwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari, richiti kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufuratesi.” Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vauraye chetatu chavanhu. Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zviuru zvezviuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo. Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi. Chetatu chavanhu chakaurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto nohutsi nesuriferi, zvakabuda mumiromo yawo. Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo. Vamwe vanhu vasina kuurawa namadambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba; havana kutendeukawo pakuuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana paupombwe hwavo, kana pakuba kwavo.