Zvakazarurwa 5:8-9
Zvakazarurwa 5:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene. Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
Zvakazarurwa 5:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vana makumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene. Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose
Zvakazarurwa 5:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Payakatora bhuku rokumononora iroro, zvisikwa zvipenyu zvina zviya navakuru vakuru makumi maviri navana vaya vakati pasi wareware pamberi peHwayana. Mumwe nomumwe aine dimbwa mumaoko nekadhishi kazere rusenzi ndiyo minamato yavatsvene. Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose.
Zvakazarurwa 5:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino rakati ratora buku, ɀisikwa ɀipenyu ɀinna naƲakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋakawira pasi pamberi peGwaiana, mumŋe nomumŋe anoruɗimbga, nendiro dzendarama, dzakaŋga dzizere neɀinonhuwira, iri minyeŋgetero yaʋatȿene. Ʋakaimba rwiyo rutȿa, ʋaciti: Ndimi makafanira kuti mutore buku nokuzarura ɀisimbiso ɀayo; nokuti makaɓayiwa, mukateŋgera Mŋari neropa renyu ʋanhu ʋanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose, nendudzi dzose
Zvakazarurwa 5:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)