Zvakazarurwa 5
5
Gwayana rinozarura bhuku
1Zvino ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanyorwa mukati nokunze kwaro, rakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe. 2Ipapo ndakaona mutumwa, ane simba, achidanidzira nezwi guru, achiti, “Ndianiko akafanira kuti azarure bhuku iri, nokusunungura zvisimbiso zvaro?” 3Asi kwakanga kusina munhu kudenga napanyika, kana napasi nepanyika, akagona kuzarura bhuku iro, kana kutarira mariri. 4Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina kuwanikwa munhu, akafanira kuti azarure bhuku, kana kutarira mariri. 5Zvino mumwe waVakuru akati kwandiri; “Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nezvisimbiso zvayo zvinomwe.”
6Zvino ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7Iro rikauya, rikatora bhuku muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe. 8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vana makumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene.
9Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose; 10mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navapristi, vabate ushe panyika.”
11Zvino ndakaona, ndikanzwa izwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru. Kuwanda kwavo kwakanga kuri zviuru zvezviuru nezviuru zvamazana 12vachiti nezwi guru, “Gwayana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe ushe, nepfuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.”
13Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezviri pasi penyika, napagungwa, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti, “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye agere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi-peri.”
14Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni.” Vakuru vana makumi maviri navanavo vakawira pasi, vakanamata.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002