Zvakazarurwa 22:14-15
Zvakazarurwa 22:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo. Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.
Zvakazarurwa 22:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanosuka nguo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu, vapinde napamasuo eguta. Kunze ndiko kune imbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.
Zvakazarurwa 22:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu uye kuti vave nemvumo yokupinda napamisuo mikuru yeguta. Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu navaroyi nemhombwe nemhondi navanamati vezvinhu zvisiri Mwari navanofarira uye vanoita zvamanyepo.
Zvakazarurwa 22:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanosuka ŋguʋo dzaʋo ʋakaropafadzwa, kuti ʋaʋe nesimba rokuʋuya kumuti woʋupenyu, ʋapinde napamasuʋo eguta. Kunze ndiko kunembga, naʋaroyi, nemhombge, naʋaʋurayi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoɗa nhema ʋacidziita.
Zvakazarurwa 22:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)