Zvakazarurwa 21:5-7
Zvakazarurwa 21:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.
Zvakazarurwa 21:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
Zvakazarurwa 21:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu.
Zvakazarurwa 21:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi. Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi. Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu.
Zvakazarurwa 21:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)