Zvakazarurwa 21:3-8
Zvakazarurwa 21:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”
Zvakazarurwa 21:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu. “Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.”
Zvakazarurwa 21:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu. Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.”
Zvakazarurwa 21:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo. Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura. Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi. Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi. Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu. Asi kana ʋari ʋanotya, naʋasiŋgatendi naʋanyaŋgadzi, naʋaʋurayi, nemhombge, naʋaroyi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoreʋa nhema, mugoʋe waʋo uri mudziʋa rinopfuta nomŋoto nesurferi; ndirwo rufu rwecipiri.
Zvakazarurwa 21:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)