Zvakazarurwa 21:1-7
Zvakazarurwa 21:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.
Zvakazarurwa 21:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake. Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
Zvakazarurwa 21:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina. Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu.
Zvakazarurwa 21:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, nokuti ɗeŋga rokutaŋga nenyika yokutaŋga ɀakaŋga ɀapfuʋura; neguŋgwa rakaŋga risisi’po. Ndikaʋona guta dɀene, Jerusarema idɀa, riciɓuruka kuɗeŋga ricibva kunaMŋari, rakagadzirwa somŋeŋga wakashoŋgerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo. Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura. Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi. Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi. Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu.
Zvakazarurwa 21:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)