Zvakazarurwa 19:11-20
Zvakazarurwa 19:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: mambo wamadzimambo naishe wamadzishe Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari, kuti muzodya nyama yamadzimambo, yavakuru vehondo, yavarume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.” Ipapo ndakaona chikara namadzimambo enyika uye nehondo dzavo dzakaungana pamwe chete kuti dzindorwa nomutasvi akanga ari pabhiza uye nehondo yake. Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.
Zvakazarurwa 19:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa ndikaona bhiza jena. Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi anotonga noururami uye anorwa hondo. Maziso ake akaita serimi romoto pamusoro wake pane ngundu dzakawanda uye akanga ane zita rakanyorwa risingazivikanwi nani zvake asi iye oga. Akanga akapfeka gemenzi rakanyikwa muropa zita raanodaidzwa naro rinonzi, “Shokoramwari.” Hondo dzokudenga dzakanga dzakarongana dzakapfeka jira jena rakachena rerineni yakanakisisa; dzaimutevera dzakatasva mabhiza machena. Mumuromo make makabuda bakatwa rinopinza rokukurira naro marudzi. Achavatonga netsvimbo yesimbi; achakanya waini muguvi rewaini rehasha dzaMwari Samasimbaose. Pagemenzi rake napachidya chake akanyorwa zita rokuti, “Mambowamadzimambo naShewamadzishe.” Ndakazoona mutumwa akamira muzuva akadaidzira nezwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai muunganire chirariro chikuru chaMwari, uyai muungane mudye chirariro chezvitunha zvamadzimambo nezvitunha zvavatungamiri vehondo nezvitunha zvamagamba nezvitunha zvamabhiza nezvavatasvi vawo nezvitunha zvavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vakuru navaduku.” Ndakaonawo chikara chiya naMadzimambo apasi nehondo dzavo vaungana kurwa hondo naiye akanga akatasva pabhiza uye nehondo yake. Chikara chiya chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema uya akaita zviratidzo pamberi pacho zvaakanyengedza nazvo vaya vaiva nomucherechedzo wechikara navaya vainamata chifananidzo chacho. Muporofita uya akakandwa ari mupenyu mudziva rinobvira moto wesarufa pamwechete nechikara chiya.
Zvakazarurwa 19:11-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama. Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga pane korona zhinji; wakanga ane zita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi. Akanga akapfeka nguo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi, “Shoko raMwari.” Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhiza machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usina tsvina. Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; achaafudza netsvimbo yedare; anotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari waMasimbaose. Panguo yake napachidya chake pakanga pakanyorwa zita rinoti, “MAMBO WAMADZIMAMBO, NAISHE WAMADZISHE.” Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nezwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga, “Uyai muungane pachirariro chikuru chaMwari, kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezviuru zvamazana, nenyama yavane simba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.” Zvino ndakaona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza, nehondo dzake. Ipapo chikara chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema, akaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesuriferi.
Zvakazarurwa 19:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa ndikaona bhiza jena. Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi anotonga noururami uye anorwa hondo. Maziso ake akaita serimi romoto pamusoro wake pane ngundu dzakawanda uye akanga ane zita rakanyorwa risingazivikanwi nani zvake asi iye oga. Akanga akapfeka gemenzi rakanyikwa muropa zita raanodaidzwa naro rinonzi, “Shokoramwari.” Hondo dzokudenga dzakanga dzakarongana dzakapfeka jira jena rakachena rerineni yakanakisisa; dzaimutevera dzakatasva mabhiza machena. Mumuromo make makabuda bakatwa rinopinza rokukurira naro marudzi. Achavatonga netsvimbo yesimbi; achakanya waini muguvi rewaini rehasha dzaMwari Samasimbaose. Pagemenzi rake napachidya chake akanyorwa zita rokuti, “Mambowamadzimambo naShewamadzishe.” Ndakazoona mutumwa akamira muzuva akadaidzira nezwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai muunganire chirariro chikuru chaMwari, uyai muungane mudye chirariro chezvitunha zvamadzimambo nezvitunha zvavatungamiri vehondo nezvitunha zvamagamba nezvitunha zvamabhiza nezvavatasvi vawo nezvitunha zvavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vakuru navaduku.” Ndakaonawo chikara chiya naMadzimambo apasi nehondo dzavo vaungana kurwa hondo naiye akanga akatasva pabhiza uye nehondo yake. Chikara chiya chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema uya akaita zviratidzo pamberi pacho zvaakanyengedza nazvo vaya vaiva nomucherechedzo wechikara navaya vainamata chifananidzo chacho. Muporofita uya akakandwa ari mupenyu mudziva rinobvira moto wesarufa pamwechete nechikara chiya.
Zvakazarurwa 19:11-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama. Meso ake akaŋga akaita somuraɀo womŋoto; pamusoro wake pakaŋga panekorona zhinji; wakaŋga anezita rakanyorwa, risina‐kuzikanwa nomunhu, asi naiye ɓedzi. Wakaŋga akapfeka ŋguʋo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMŋari. Hondo dzokuɗeŋga dzakamuteʋera, dzakataȿa mabiza macena, dzakafuka muceka wakanaka mucena, usinetȿina. Mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, kuti aroʋe marudzi nawo; ucaafudza netȿimbo yeɗare; unotsika ciȿiniro cehasha dzokutsamŋa kwaMŋari wamasimba ose. Paŋguʋo yake napacidɀa cake pakaŋga pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE. Ɀino ndakaʋona mutumŋa amire muzuʋa; akaɗanidzira nenzwi guru, aciti kushiri dzose dzinobururuka pakati peɗeŋga: Ʋuyai, muʋuŋgane pacirayiro cikuru caMŋari, kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yaʋakuru ʋeɀuru ɀamazana, nenyama yaʋanesimba, nenyama yamabiza, neyaʋataȿi ʋawo, nenyama yaʋanhu ʋose ʋakasunuŋguka naʋakasuŋgwa, ʋaɗuku naʋakuru. Ɀino ndakaʋona cikara ciya namadzimambo enyika nehondo dzaʋo, ʋakaʋuŋgana kuti ʋarwe naiye wakaŋga akataȿa biza, nehondo dzake. Ipapo cikara cakaɓatwa pamŋe cete nomuprofita wenhema, wakaita ɀiratidzo pamberi paco, ɀaakanyeŋgera naɀo ʋaya ʋakapiwa ciratidzo cecikara, naʋainamata mufananidzo waco. Aʋa ʋaʋiri ʋakakandirwa ʋari ʋapenyu mugomba romŋoto unopfuta nesurferi.