Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 19:11-20

Ɀakazarurwa 19:11-20 SUB1949

Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama. Meso ake akaŋga akaita somuraɀo womŋoto; pamusoro wake pakaŋga panekorona zhinji; wakaŋga anezita rakanyorwa, risina‐kuzikanwa nomunhu, asi naiye ɓedzi. Wakaŋga akapfeka ŋguʋo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMŋari. Hondo dzokuɗeŋga dzakamuteʋera, dzakataȿa mabiza macena, dzakafuka muceka wakanaka mucena, usinetȿina. Mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, kuti aroʋe marudzi nawo; ucaafudza netȿimbo yeɗare; unotsika ciȿiniro cehasha dzokutsamŋa kwaMŋari wamasimba ose. Paŋguʋo yake napacidɀa cake pakaŋga pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE. Ɀino ndakaʋona mutumŋa amire muzuʋa; akaɗanidzira nenzwi guru, aciti kushiri dzose dzinobururuka pakati peɗeŋga: Ʋuyai, muʋuŋgane pacirayiro cikuru caMŋari, kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yaʋakuru ʋeɀuru ɀamazana, nenyama yaʋanesimba, nenyama yamabiza, neyaʋataȿi ʋawo, nenyama yaʋanhu ʋose ʋakasunuŋguka naʋakasuŋgwa, ʋaɗuku naʋakuru. Ɀino ndakaʋona cikara ciya namadzimambo enyika nehondo dzaʋo, ʋakaʋuŋgana kuti ʋarwe naiye wakaŋga akataȿa biza, nehondo dzake. Ipapo cikara cakaɓatwa pamŋe cete nomuprofita wenhema, wakaita ɀiratidzo pamberi paco, ɀaakanyeŋgera naɀo ʋaya ʋakapiwa ciratidzo cecikara, naʋainamata mufananidzo waco. Aʋa ʋaʋiri ʋakakandirwa ʋari ʋapenyu mugomba romŋoto unopfuta nesurferi.