Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 18:2-17

Zvakazarurwa 18:2-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.” Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo; nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga, uye Mwari arangarira mhosva dzaro. Ritsivei semabasa arakaita; ritsivei kaviri pane zvarakaita. Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro. Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi, uye handingatongochemi.’ Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti: rufu, kuchema, nenzara. Achaparadzwa nomoto, nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru. “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’ “Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve, nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu. “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza uye vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku, uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera! Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.

Zvakazarurwa 18:2-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akadanidzira nezwi guru, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiri dzose dzine tsvina, dzinovengwa. Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwoupombwe hwaro, namadzimambo enyika akaita upombwe naro, navatengesi venyika vakapfuma nesimba rokuzvirasa kwaro.” Zvino ndakanzwa rimwe izwi rinobva kudenga, richiti, “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari arangarira zvisakarurama zvaro. Muritsive parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri. “Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumwoyo maro, ‘Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema.’ “Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari anoritonga, ane simba.” Madzimambo enyika, akaita upombwe nokuzvifadza naro, achiona hutsi hokupiswa kwaro; ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti, “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.” Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu anotenga nhumbi dzavo; nhumbi dzendarama, nesirivha, nedzamambwe anokosha, nedzamapera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emiti inonhuwira, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena; nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini, namafuta omuorivhi, nohupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu. Michero yaidikanwa nomwoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozozviwanizve. Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namapera! Nokuti nenguva imwe pfuma huru yakadai yaparadzwa.” Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure

Zvakazarurwa 18:2-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akadaidzira nezwi guru achiti, “Raparara, raparara Bhabhironi guta guru rava musha wemweya yakaipa; rava dambiro remweya yose yakan'ora nechirugu cheshiri dzose dzakan'ora necheshiri dzisingadiwi navanhu. Ndudzi dzose dzakanwa waini yehavi dzaro dzakaipa, madzimambo ose akaita upombwe naro. Vashambadzi vapasi vakapfumiswa noupfumi nounzenza hwaro.” Ndakanzwazve rimwe izwi richibva kudenga richiti, “Budai mariri vanhu vangu. Mungadaro mukazoitawo zvitadzo zvaro mukapinda mupfumvu dzaro nokuti zvitadzo zvaro zvakaita murwi unosvika kudenga. Mwari akayeuka huipi hwaro. Achariitira zvarakaitirawo vamwe achiridzorera kakapetwa, zviito zvaro. Riitirei zvarakakuitirai muridzorere kakapetwa zviito zvaro muripe waini inokaripa zvakapetwa kaviri. Rionesei nhamo murirwadzise zvakaenzana nembiri namafaro arakazvipa. Zvarinozviti nechomumwoyo, ‘Ndigere zvangu samambokadzi, handisi chirikadzi, kuchema handimbofa ndakachema.’ Pfumvu dzaro dzichariwira nezuva rimwechete, dzinoti rufu, kuchema rufu, neshangwa yenzara uye richapiswa nomoto nokuti Mwari anoritonga ane simba guru.” Madzimambo apanyika akaita upombwe nounzenza naro vacharichema vachiungudza pavachaona kutogoka utsi hwokutsva kwaro. Vachamira kure uko nokutya matambudziko aro vachiti, “Maiwe! Maiwe! Nhaiwe guta guru, iwe guta rakasimba, Bhabhironi zvakuwana neawa imwechete.” Veshawo dzokutengeserana vapanyika vanorichema vachiungudza nokuti hapana achatenga zvinhu zvavo; zvinhu zvavo izvi zvinoti: ndarama nesirivha nezvishongo namapera kwoti machira erineni yakanakisisa neeruvara rwohute neesirika namatsvuku, kwouya mapuranga anonhuwirira akasiyana–siyana, kozouya mhando nemhando yezvinhu zvakavezwa nenyanga dzenzou; kozoti zvinhu zvakagadzirwa nemiti inokosha zvakaitwa nendarira nesimbi kana namatombo anokosha; kuchizoti chinamoni, netwekubikisa tunonhuwirira; kotiwo rusenzi nemura norusenzi rune kakunhuwirira kakanakisa kwazvo; kuchizouya waini namafuta noupfu hwekoroni hwakatsetseka uye nekoroni kuchiuyawo mombe nehwai namabhiza nengoro dzehondo ndokuchizouyawo nhapwa zvichireva vanhu. Vanoti zvawaida kuwana namafaro ako zvakusiya, hudobori hwako namafaro ako zvakupesa hauchambozviwanazve. Veshawo dzokutengeserana ivava vakawana upfumi mariri vachamira kure uko nokutya nokuoneswa nhamo kwaro vacharichema vachiungudza zvinonzwika vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakanga rakapfeka rineni yakanakisisa nehanzu dzoruvara rwohute netsvuku rakashongedzwa nendarama nezvishongo namapera.” Neawa imwechete, upfumi hwose uhu hwaparara. Vatungamiriri vengarava navanhu vanofamba nzendo nengarava navafambisi vengarava navose vanoshava mari vachishandisa nyanza, vakamira kure uko

Zvakazarurwa 18:2-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, yaʋa nɀimbo munogara mŋeya yakaipa, nenhare yemŋeya yose yetȿina, nenhare yeshiri dzose dzinetȿina dzinoʋeŋgwa. Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro, namadzimambo enyika akaita ʋupombge naro, naʋateŋgesi ʋenyika ʋakafuma nesimba rokuɀirasha kwaro. Ɀino ndakanzwa rimŋe inzwi rinobva kuɗeŋga, riciti: Ƃuɗai mariri, ʋanhu ʋaŋgu, kuti murege kuwadzana naro paɀiʋi ɀaro, mugorega kupiwa maɗambudziko aro. Nokuti ɀiʋi ɀaro ɀaȿika kuɗeŋga, Mŋari waraŋgarira ɀisakarurama ɀaro. Muritsiʋei parakakutsiʋai napo, muciriitira kaʋiri parakaɓata napo; mumudziyo iwoyo marakaɗira iro, muriɗirire kaʋiri. Parakaɀikudza nokuɀifadza napo, murirwadzise nokuricemedza; nokuti rinoti mumŋoyo maro: Ndinogara pacigaro coʋushe ndiri ʋahosi, handizi cirikadzi, handiŋgatoŋgoʋoni kucema. Saka maɗambudziko aro acaȿika nezuʋa rimŋe, rufu, nokucema, nenzara; ricapiswa kwaɀo nomŋoto, nokuti Ishe Mŋari unoritoŋga, unesimba. Madzimambo enyika, akaita ʋupombge nokuɀifadza naro, acarira nokucema pamsoro paro, kana aciʋona ʋutsi bgokupiswa kwaro; iʋo ʋamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋaciti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Babironi, guta rakasimba! Nokuti kutoŋgwa kwako kwakaȿika neŋguʋa imŋe. Ʋateŋgesi ʋenyika ʋacarira nokucema pamsoro paro, nokuti hakucinomunhu unoteŋga nhumbi dzaʋo; nhumbi dzendarama, nesirveri, nedzamabge anokosha, nedzamaparera nedzomuceka wakanaka, nedzemiceka mitȿuku, nedzesiriki, nedzemiceka mishaʋa, namarudzi ose emiti inonhuwira, namarudzi ose emidziyo yenyaŋga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzeɗare, nedzamabge macena; nekinamoni, nomuamumoni, neɀinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivi, noʋupfu bgakatsetseka, neɀiyo, neŋombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzeŋgoro, nedzaʋatapxa, nedzemŋeya yaʋanhu. Micero yaiɗikanwa nomŋoyo wako, yakabva kwauri, neɀinhu ɀose ɀakanaka neɀinopenya, ɀakabva kwauri, ʋanhu haʋaŋgatoŋgoɀiwani ɀe. Ʋateŋgesi ʋeɀinhu iɀi, ʋakaŋga ʋafumiswa naro, ʋacamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru rakaŋga rakapfeka muceka wakanaka, mutȿuku nomushaʋa, rakaŋga rakashoŋga ndarama, namabge anokosha, namaparera! Nokuti neŋguʋa imŋe fuma huru yakaɗai yaparadzwa. Ɀino ʋafambisi ʋose ʋeɀikepe, naʋose ʋanofamba neɀikepe papi napapi, naʋafambi naʋaɓati paguŋgwa, ʋakamira kure

Zvakazarurwa 18:2-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)